Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 25:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Saka Israeri akabatana navo naBhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo.

4. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”

5. Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.”

6. Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana.

7. Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake;

8. uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri muMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;

9. asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.

10. Jehovha akati kuna Mozisi,

11. “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.

12. Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 25