Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 25:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Jehovha akati kuna Mozisi,

11. “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.

12. Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye.

13. Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.”

14. Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni.

15. Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.

16. Jehovha akati kuna Mozisi,

17. “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya,

18. nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai panyaya yePeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 25