Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 22:37-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Bharaki akati kuna Bharamu, “Handina kukudana nokukurumidza here? Seiko usina kuuya kwandiri? Ini handigoni kukupa mubayiro here?”

38. Bharamu akapindura akati, “Zvakanaka, zvino ndauya kwauri. Asi ndingataura zvose zvose here? Ndinofanira kungotaura chete zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naMwari.”

39. Ipapo Bharamu akaenda naBharaki kuKiriati Huzoti.

40. Bharaki akabayira mombe namakwai, akapa zvimwe kuna Bharamu namachinda akanga anaye.

41. Fume mangwana, Bharaki akatora Bharamu akakwira naye kuBhamoti Bhaari, uye ipapo akaona chikamu chavanhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 22