Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 2:18-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Nechokumavirira kuchava namapoka emisasa yaEfuremu ari pasi pemireza yawo. Mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu ndiErishama mwanakomana waAmihudhi.

19. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

20. Rudzi rwaManase ndirwo ruchavatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaManase ndiGamarieri mwanakomana waPedhazuri.

21. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

22. Rudzi rwaBhenjamini ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini ndiAbhidhani mwanakomana waGidheoni.

23. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.

24. Varume vose vakadanwa kumusasa waEfuremu, maererano namapoka avo, vanosvika zviuru zana nezvisere, nezana rimwe chete. Vachava vechitatu pakusimuka.

25. Nechokumusoro kuchava namapoka emisasa yaDhani, pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaDhani ndiAbhiezeri mwanakomana waAmishadhai.

26. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.

27. Rudzi rwaAsheri ruchadzika misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaAsheri ndiPagieri mwanakomana waOkerani.

28. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nechimwe chete namazana mashanu.

29. Rudzi rwaNafutari ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaNefutari ndiAhira mwanakomana waEnoni.

30. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

31. Varume vose vakadanwa kumusasa waDhani vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvinomwe, namazana matanhatu. Ndivo vachava vokupedzisira pakusimuka, vari pasi pemireza yavo.

32. Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. Vose vakanga vari mumisasa, namapoka avo vanosvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.

33. Kunyange zvakadaro, vaRevhi havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 2