Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 18:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa.

4. Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri.

5. “Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve.

6. Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana.

7. Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”

8. Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose.

9. Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosiyiwa pamoto. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako.

10. Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri.

11. “Izvi, ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake.

12. “Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo.

13. Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya.

14. “Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako.

15. Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka.

16. Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanua esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 18