Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 18:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka.

16. Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanua esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri.

17. “Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

18. Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako.

19. Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 18