Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 18:13-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya.

14. “Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako.

15. Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka.

16. Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanua esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri.

17. “Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

18. Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako.

19. Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.”

20. Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri.

21. “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana.

22. Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa.

23. VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavo. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kumarudzi anotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri.

24. Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 18