Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 16:35-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Ipapo moto wakabuda uchibva kuna Jehovha ukaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu vakanga vachipisira zvinonhuwira.

36. Jehovha akati kuna Mozisi,

37. “Taurira Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, kuti abvise hadyana parufuse agoparadzira mazimbe kure nokuti hadyana itsvene,

38. idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.”

39. Saka Ereazari muprista akaunganidza hadyana dzendarira dzakauya navaya vakanga vapiswa, akaita kuti dzipwanyiwe kuti dzigova chifukidzo chearitari,

40. sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake.

41. Fume mangwana, ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. Vakati, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.”

42. Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa.

43. Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana,

44. uye Jehovha akati kuna Mozisi,

45. “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo.

46. Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.”

47. Saka Aroni akaita sezvakarehwa naMozisi, akamhanyira pakati peungano. Denda rakanga ratotanga pakati pavanhu, asi Aroni akapisira zvinonhuwira akavayananisira.

48. Akamira pakati pavapenyu navakafa, denda rikamirawo.

49. Asi vanhu zviuru gumi nezvina namazana manomwe vakafa nedenda, vachiwedzera pane vaya vakanga vafa nokuda kwaKora.

50. Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi pamukova wokupinda muTende Rokusangana, nokuti denda rakanga rapera.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 16