Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 15:29-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.

30. “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

31. Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ”

32. VaIsraeri vachiri murenje, mumwe munhu akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata.

33. Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose,

34. uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvinofanira kuitwa kwaari.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 15