Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 15:20-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro.

21. Kusvikira kumarudzi anotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.

22. “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,

23. zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kumarudzi anotevera,

24. uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, nehando yembudzi kuti ive chipiriso chechivi.

25. Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi.

26. Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.

27. “ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi.

28. Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa.

29. Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.

30. “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

31. Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ”

32. VaIsraeri vachiri murenje, mumwe munhu akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata.

33. Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose,

34. uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvinofanira kuitwa kwaari.

35. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Munhu uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.”

36. Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

37. Jehovha akati kuna Mozisi,

38. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira, kumarudzi achatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe.

39. Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu.

40. Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 15