Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 15:2-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare,

3. uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokungopa kana zvipiriso zvemitambo,

4. ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta.

5. Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.

6. “ ‘Munofanira kugadzira negondohwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefac youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechetatu chehinid yamafuta,

7. uye chetatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuwira chinofadza kuna Jehovha.

8. “ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana,

9. munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi cheefae youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehinif yamafuta pamwe chete nehando.

10. Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira chinofadza Jehovha.

11. Hando imwe neimwe kana gondohwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi.

12. Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.

13. “ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

14. Kumarudzi anotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 15