Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 15:14-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Kumarudzi anotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.

15. Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi anotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa.

16. Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ”

17. Jehovha akati kuna Mozisi,

18. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai

19. uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso.

20. Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro.

21. Kusvikira kumarudzi anotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.

22. “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 15