Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 14:36-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Saka varume vakanga vatumwa naMozisi kundosora nyika, vaya vakadzoka vakaita kuti ungano yose ipopotere Mozisi nemhaka yokuparidzira mashoko akaipa pamusoro payo,

37. varume ava vakanga vaparadzira mashoko akaipa pamusoro penyika, vakarohwa vakaurayiwa nedenda pamberi paJehovha.

38. Pavarume vakaenda kundosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune ndivo bedzi vakararama.

39. Mozisi akati azivisa izvi kuvaIsraeri vose, vakachema zvikuru.

40. Mangwana acho mangwanani, vakakwira vakananga kumusoro kunyika yamakomo marefu. Vakati, “Takatadza hedu. Tichakwira tiende kunyika yatakavimbiswa naJehovha.”

41. Asi Mozisi akati kwavari, “Sei musingateereri kurayira kwaJehovha? Izvi hazvibudiriri!

42. Musakwira kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu,

43. nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.”

44. Kunyange zvakadaro, nepfungwa dzavo, vakaenda vakananga kunyika yamakomo marefu, kunyange Mozisi asina kuenda uye areka yaJehovha yesungano isina kubviswawo pamusasa.

45. Ipapo vaAmareki navaKenani vaigara munyika yamakomo vakaburuka vakavarwisa vakavadzingirira kusvikira kuHoma.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 14