Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 12:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Pakarepo Jehovha akati kuna Mozisi, Aroni naMiriamu, “Budai muuye kuTende Rokusangana, mose muri vatatu.” Saka vakabuda ivo vari vatatu.

5. Ipapo Jehovha akaburuka ari mushongwe yegore; akamira pamukova wokupinda kuTende akadana Aroni naMiriamu. Vakati vachibuda vari vaviri,

6. akati kwavari, “Teererai mashoko angu:“Kana pano muprofita pakati penyu, ndinozviratidza kwaari nezviratidzo, ndinotaura naye muzviratidzo, ndinotaura naye muzviroto.

7. Asi hazvina kudaro kuna Mozisi muranda wangu; iye akatendeka muimba yangu yose.

8. Ndinotaura naye takatarisana, pachena kwete nezvirahwe; iye anoona chimiro chaJehovha. Zvino makarega seiko kutya kutaura muchipopotera muranda wangu Mozisi?”

9. Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavo, uye akavasiya.

10. Gore rakati rabva pamusoro peTende, onei Miriamu amirepo ava namaperembudzi, akaita sechando. Aroni akatendeukira kwaari akaona kuti akanga ava namaperembudzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 12