Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 12:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Musarega achifanana nomwana akazvarwa akafa mudumbu ramai vake hafu yenyama yake yakadyiwa.”

13. Saka Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Haiwa Mwari, ndapota hangu muporesei!”

14. Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Dai baba vake vanga vamupfira kumeso kwake, haazainyara kwamazuva manomwe here? Mubudise kunze kwomusasa kwamazuva manomwe; mugomudzosa henyu pashure.”

15. Saka Miriamu akabudiswa kunze kwomusasa kwamazuva manomwe, uye vanhu havana kupfuurira mberi kusvikira adzoswa.

16. Shure kwaizvozvo, vanhu vakabva paHazeroti vakandodzika musasa muRenje reParani.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 12