Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 10:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako.

5. Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka kumabvazuva anofanira kutanga kufamba.

6. Paunoridza hwamanda yechipiri, misasa yezasi inofanira kufamba. Kurira kwehwamanda kuchava chiratidzo chokuti mufambe.

7. Kuti ungano iungane, muridze hwamanda, asi kwete namaridziro mamwe chetewo.

8. “Vanakomana vaAroni, vaprista ndivo vanofanira kuridza hwamanda. Uyu unofanira kuva mitemo usingaperi kwamuri nokuzvizvarwa zvinotevera.

9. Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, muridze hwamanda. Ipapo mucharangarirwa naJehovha Mwari wenyu achakununurai kubva kuvavengi venyu.

10. Uyezve, panguva dzenyu dzokufara, pamitambo yenyu yakatarwa uye nemitambo yoKugara kwoMwedzi, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, uye zvichava chirangaridzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”

11. Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri, wegore rechipiri, gore rakasimuka kubva pamusoro petabhenakeri yeChipupuriro.

12. Ipapo vaIsraeri vakasimuka kubva murenje reSinai, vakafamba vachienda kunzvimbo nenzvimbo kusvikira gore randomira murenje reParani.

13. Nguva ino, kwokutanga, vakafamba sezvavakanga varayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.

14. Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira.

15. Netaneri mwanakomana waZua akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 10