Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 8:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa.

9. Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro.

10. Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”

11. VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.”

12. Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 8