Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 8:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri.

2. Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa.

3. Akauverenga nenzwi guru kubva mangwanani kusvikira masikati, akatarisa chivara chaiva pamberi peSuo reMvura, pamberi pavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Uye vanhu vose vakateerera zvikuru kuBhuku roMurayiro.

4. Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Mirikia, Hashumi, Hashibhadhana, Zekana naMeshurami.

5. Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka.

6. Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi akanamata Jehovha uso hwavo hwakatsikitsira pasi.

7. VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhani, Sherebhia, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azaria, Jozabhadhi, Hanani naPeraya vakadzidzisa vanhu Murayiro vanhu vamire ipapo.

8. Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 8