Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 7:67-73 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

67. pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu.

68. Paiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu amabhiza, uye mbongoro mazana maviri namakumi mana neshanu,

69. mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro.

70. Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiurua muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu.

71. Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakemab egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviric.

72. Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamaminad esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe.

73. Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 7