Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 7:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ava ndivo vanhu vedunhu vakabudiswa pautapwa vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,

7. vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Azaria, naRaamia, Nahamani, Modekhai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhai, Nehumi naBhaana): Mazita avarume veIsraeri:

8. Zvizvarwa zvaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;

9. zvaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri;

10. zvaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri;

11. zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere;

12. zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana;

13. zvaZahu, mazana masere namakumi mana navashanu;

14. zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu;

15. zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere;

16. zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;

17. zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;

18. zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 7