Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 7:57-67 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

57. Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zva: Sotai, Sofereti, Peridha,

58. Jaara, Dharikoni, Gidheri,

59. Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni.

60. Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.

61. Ava vanotevera vaibva kumaguta okuTeri Mera, Teri Harisha Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza kuti zvizvarwa zvavo zvaibva mumhuri yaIsraeri:

62. zvizvarwa zvaDheraya, Tobhia naNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri.

63. Uye vaibva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhoa, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro).

64. Ava vakatsvaka zvinyorwa zvemhuri dzavo, asi vakazvishaya nokudaro vakabviswa kubva kuvaprista, savasina kuchena.

65. Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.

66. Ungano yose yaiva navanhu zviuru makumi mana navaviri ane mazana matatu namakumi matanhatu,

67. pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 7