Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 3:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. navashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi vakagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana neSuo reMvura kwakananga kumabvazuva uye napanobudikira neshongwe.

27. Vaivatevera, varume veTekoa vakagadzira chimwe chikamu, kubva panobuda shongwe huru kusvikira kurusvingo rweOferi.

28. Vaprista vakagadzira pamusoro peSuo raMabhiza, mumwe nomumwe pamberi peimba yake.

29. Aivatevera, aiva Zadhoki mwanakomana waImeri akagadzira pakatarisana neimba yake. Aimutevera ndiShemaya mwanakomana waShekania, murindi wokuSuo rokuMabvazuva, ane zvaakagadzira.

30. Vaimutevera, Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni, mwanakomana wechitanhatu waZarafu, ndivo vakagadzira chimwe chikamu. Aimutevera, Meshuramu mwanakomana waBherekia akagadzira pakatarisana nepaaigara.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 3