Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 13:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari,

2. nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo.

3. Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa.

4. Zvino zvisati zvaitika izvi, Eriashibhi muprista akanga agadzwa kuti ave mutariri wamatura okuvigira eimba yaMwari wedu. Akanga ane ukama hwepedyo naTobhia,

5. uye akanga amugadzirira kamuri guru raimbochengeterwa zvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira uye midziyo yetemberi, nezvegumi zvezviyo, waini itsva namafuta akarayirwa kuti apiwe vaRevhi, vaimbi navachengeti vamasuo, uyewo nemigove yavaprista.

6. Asi pazvaiitika zvose izvi, ndakanga ndisiri muJerusarema, nokuti mugore ramakumi matatu namaviri raAtazekisesi mambo weBhabhironi ndakanga ndadzokera kuna mambo. Mumashure menguva yakati ndakakumbira mvumo

7. ndokudzokera kuJerusarema. Ipapo ndakanzwa pamusoro pechinhu chakaipa chakanga chaitwa naEriashibhi chokuti akagadzirira Tobhia kamuri muruvazhe rweimba yaMwari.

8. Ndakashatirwa zvikuru ndokurasira kunze kwemba, midziyo yose yaTobhia.

9. Ndakarayira kuti makamuri acheneswe, ndokubva ndadzorera imomo midziyo yose yeimba yaMwari, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 13