Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 13:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari,

2. nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo.

3. Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa.

4. Zvino zvisati zvaitika izvi, Eriashibhi muprista akanga agadzwa kuti ave mutariri wamatura okuvigira eimba yaMwari wedu. Akanga ane ukama hwepedyo naTobhia,

5. uye akanga amugadzirira kamuri guru raimbochengeterwa zvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira uye midziyo yetemberi, nezvegumi zvezviyo, waini itsva namafuta akarayirwa kuti apiwe vaRevhi, vaimbi navachengeti vamasuo, uyewo nemigove yavaprista.

6. Asi pazvaiitika zvose izvi, ndakanga ndisiri muJerusarema, nokuti mugore ramakumi matatu namaviri raAtazekisesi mambo weBhabhironi ndakanga ndadzokera kuna mambo. Mumashure menguva yakati ndakakumbira mvumo

7. ndokudzokera kuJerusarema. Ipapo ndakanzwa pamusoro pechinhu chakaipa chakanga chaitwa naEriashibhi chokuti akagadzirira Tobhia kamuri muruvazhe rweimba yaMwari.

8. Ndakashatirwa zvikuru ndokurasira kunze kwemba, midziyo yose yaTobhia.

9. Ndakarayira kuti makamuri acheneswe, ndokubva ndadzorera imomo midziyo yose yeimba yaMwari, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira.

10. Ndakaonawo kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo, uye kuti vaRevhi vose navaimbi vaiva nebasa rokushumira vakanga vadzokera kuminda yavo.

11. Saka ndakatsiura vabati ndikavabvunza ndikati, “Imba yaMwari yashayirwa hanya neiko?” Ipapo ndakavaunganidza pamwe chete akavadzosera kunzvimbo dzavo.

12. VaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, newaini itsva namafuta vakazviisa mumatura.

13. Ndakaisa Sheremia muprista, Zadhoki munyori, nomuRevhi ainzi Pedhaya kuti vave vatariri vamatura uye ndikaita kuti Hanania, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania, ave mubatsiri wavo, nokuti varume ava vakaonekwa kuti vaiva vakavimbika. Vaiva nebasa rokugovera hama dzavo migove yavo.

14. Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo nokuda kwaizvozvi, uye musadzima zvandakaita nokutendeka kuimba yaMwari wangu, neshumiro yayo.

15. Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro.

16. Varume vaibva kuTire vaigara muJerusarema vaiuya nehove nemhando dzose dzezvokutengesa vachizvitengesa muJerusarema kuvanhu veJudha nomusi weSabata.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 13