Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 12:23-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.

24. Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo aimira akatarisana navo vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.

25. Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.

26. Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.

27. Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara akauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro nenziyo dzokuvonga uye nokuimba vachiridza makandira, mitengeranwa nembira.

28. Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati;

29. nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema.

30. Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo.

31. Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova waMarara.

32. Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera,

33. pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami,

34. Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia,

35. pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,

36. nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, naNataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 12