Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 1:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. “Rangarirai zvamakarayira muranda wenyu Mozisi, muchiti, ‘Kana musina kutendeka, ndichakuparadzirai pakati pendudzi,

9. asi kana mukadzokera kwandiri uye mukateerera zvandakarayira, ipapo kunyange kana vakatapwa vavanhu venyu vari kumagumo edenga, ndichavaunganidza vabveko ndigovauyisa kunzvimbo yandakasarudza kuti ive ugaro hweZita rangu.’

10. “Varanda venyu uye vanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru uye noruoko rwenyu rune simba.

11. Haiwa Jehovha, nzeve yenyu ngainzwe munyengetero womuranda wenyu uyu nomunyengetero wavaranda venyu vanofarira kukudza zita renyu. Itai kuti muranda wenyu abudirire, nhasi uye mumupe nyasha pamberi pomurume uyu.” Ndakanga ndiri mudiri wamambo.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 1