Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nahumi 2:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Masuo enzizi azarurwa uye muzinda wamambo wakoromoka.

7. Shoko ratemwa rokuti guta ritapwe, uye riendeswe kure. Varandakadzi varo vanochema senjiva uye vanorova zvipfuva zvavo.

8. Ninevhe rakafanana nedziva, uye mvura yaro iri kuerera ichipera. Vanochema vachiti, “Mirai! Mirai!” asi hapana anocheuka.

9. Pambai sirivha! Pambai goridhe! Kuwanda kwazvo hakuperi, ihwo upfumi hunobva pamhando dzose dzepfuma yaro!

10. Rabirwa, rapambwa, ratorerwa zvose! Mwoyo yanyungudika, mabvi odedera, miviri yobvunda, zviso zvose zvacheneruka.

Verenga chitsauko zvakakwana Nahumi 2