Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 9:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.

12. Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika:Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.

13. Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru:

14. Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 9