Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 8:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu? Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu uye hunoshandura kuomarara kwechiso.

2. Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari.

3. Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza.

4. Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?”

5. Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira.

6. Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru.

7. Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana, ndiani angamuzivisa zvichauya?

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 8