Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 5:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.

4. Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako.

5. Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa.

6. Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?

7. Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.

8. Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo.

9. Zvinowanikwa kubva panyika zvinotorwa navose; iye mambo ane zvaanowana kubva kuminda.

10. Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo.

11. Nokuwanda kunoita pfuma, ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya. Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo kunze kwokungogutsa meso ake nayo?

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 5