Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 5:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa.

2. Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma.

3. Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.

4. Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako.

5. Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa.

6. Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?

7. Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 5