Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 3:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;

8. nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.

9. Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?

10. Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.

11. Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.

12. Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.

13. Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.

14. Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.

15. Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare, uye zvichazovapo zvakatovapo kare; uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura.

16. Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva:Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo, panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 3