3. nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;
4. nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;
5. nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;
6. nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;
7. nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;
8. nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.
9. Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?
10. Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.