Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 3:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura;

3. nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;

4. nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;

5. nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;

6. nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;

7. nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;

8. nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.

9. Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?

10. Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.

11. Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.

12. Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.

13. Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 3