Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 3:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:

2. nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura;

3. nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;

4. nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;

5. nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 3