1. Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
2. nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura;
3. nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;
4. nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;
5. nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;