Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rangarira Musiki wako pamazuva ouduku hwako, mazuva okutambudzika asati auya, namakore asati aswedera pauchati, “Handioni zvinofadza maari,”

2. zuva nechiedza uye nomwedzi nenyeredzi zvisati zvadzima, uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura;

3. kana vatariri vemba vodedera, navarume vakasimba vokotama, kana vakuyi vorega nokuti vashoma, uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere;

4. kana mikova yokunzira ichinge yapfigwa uye maungira okukuya oderera; kana vanhu vomutswa nokuimba kweshiri asi nziyo dzavo dzose dzisisanzwiki zvakanaka;

5. kana vanhu votya nzvimbo dzakakwirira nenjodzi mumigwagwa; kana muamanda wotumbuka nemhashu yozvikwekweredza uye kuda kwose kwapera. Ipapo munhu anoenda kumusha wake usingaperi, uye vanochema vachafamba-famba munzira.

6. Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka; uye mbiya yegoridhe isati yaputswa; chirongo chisati chapwanyika pachitubu, uye vhiri risati raputswa patsime,

7. uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva, nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.

8. Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Zvose hazvina maturo!”

Magumo eNyaya

9. Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji.

10. Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi.

11. Mashoko avachenjeri akafanana nezvibayiso, mashoko avo akaunganidzwa akasimbiswa sembambo dzakarovererwa kwazvo, akapiwa noMufudzi mumwe chete.

12. Yambirwa, mwanakomana wangu, kuti pasava nechinhu chipi zvacho chichawedzerwa pazviri. Zvokunyora mabhuku mazhinji hazvina magumo, uye kudzidza zvizhinji kunonetesa muviri.

13. Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu.

14. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.