Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 11:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Govera vanomwe, kunyange navaserewo; nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.

3. Kana makore azara nemvura anonayisa mvura panyika. Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro, panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.

4. Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi.

5. Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose.

6. Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.

7. Chiedza chakanaka, uye zvinofadza meso kuona zuva.

8. Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji, ngaafadzwe nawo ose. Asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji. Zvose zvichazouya hazvina maturo.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 11