Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 1:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa.

9. Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva.

10. Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo.

11. Marudzi akapfuura haacharangarirwi; uye marudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozotevera.

12. Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.

13. Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.

14. Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.

15. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 1