Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 1:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo.

11. Marudzi akapfuura haacharangarirwi; uye marudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozotevera.

12. Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.

13. Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.

14. Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.

15. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi.

16. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”

17. Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.

18. Nokuti muuchenjeri huzhinji muno kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 1