Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 1:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:

2. Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.”

3. Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?

4. Marudzi anouya uye marudzi anoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.

5. Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.

6. Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo.

7. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 1