Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 1:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:

2. Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.”

3. Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?

4. Marudzi anouya uye marudzi anoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.

5. Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.

6. Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo.

7. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.

8. Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa.

9. Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva.

10. Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo.

11. Marudzi akapfuura haacharangarirwi; uye marudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozotevera.

12. Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.

13. Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 1