Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mika 6:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.

4. Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu.

5. Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”

6. “Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotamira pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?

7. Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondohwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?

8. Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye kuti ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

9. Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta, uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri: “Chenjererai shamhu naIye akaituma.

10. Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?

11. Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?

12. Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera.

13. Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.

14. Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mika 6