Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mika 4:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Kana uri iwe, chirindo cheboka iwe nhare yoMwanasikana weZioni, ushe hwakare huchadzoswa kwauri; umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.”

9. Sei muchiridza mhere iye zvino, hamuna mambo here? Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza kwakubatai sekwomukadzi anosununguka?

10. Tambura ugomere, iwe Mwanasikana weZioni, somukadzi ari pakusununguka, nokuti zvino unofanira kubuda muguta undogara kusango. Uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchandonunurwa. Ikoko Jehovha achakudzikinura kubva paruoko rwavavengi vako.

11. Asi zvino ndudzi zhinji dzakaunganira kukurwisa. Vanoti, “Ngaasvibiswe, maziso edu ngaatarise Zioni!”

12. Asi havazivi pfungwa dzaJehovha; havanzwisisi kuronga kwake, iye anovaunganidza sezvisote paburiro.

13. “Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni, nokuti ndichakupa nyanga dzendarira; ndichakupa mahwanda outare uye uchapwanya kuita zvidumbu ndudzi zhinji.” Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo, upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mika 4