Achatonga pakati pamarudzi mazhinji nokupedza gakava pandudzi dzine simba dziri kure kure. Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza. namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzirizve kurwa.