Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mika 3:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo ndakati, “Teererai imi vatungamiri vaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri. Hamufaniri kuziva kururamisira here,

2. imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa; munofunura ganda pamapfupa;

3. munodya nyama yavanhu vangu, munobvisa ganda ravo, muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu; munovatema-tema senyama yomupani, senyama yomuhari?”

4. Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavadaviri. Panguva iyoyo achavanza chiso chake kwavari nokuda kwezvakaipa zvavakaita.

5. Zvanzi naJehovha, “Kana vari vaprofita vanotsausa vanhu vangu, kana mumwe akavapa zvokudya, vanodanidzira kuti ‘Rugare’; kana akasavapa, vanogadzirira kumurwisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mika 3