Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mika 2:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Munodzinga madzimai avanhu vangu kubva mudzimba dzavo dzakanaka. Munotora ropafadzo yangu kubva kuvana vavo nokusingaperi.

10. Simukai, ibvai pano! Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera, nokuti yakasvibiswa, yakaparadzwa zvisingagadziriki.

11. Kana munyepi nomunyengeri akauya oti, ‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’ iyeyu achava muprofita wavanhu ava!

12. “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.

13. Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo; vachapwanya napasuo vagobuda panze. Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo, Iye Jehovha achivatungamirira.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mika 2