Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mika 2:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita, musaprofita pamusoro pezvinhu izvi; kunyadziswa hakungatibati.”

7. Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho kuti: “Ko, mweya waJehovha watsamwa here? Iye anoita zvinhu zvakadaro here?” “Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?

8. Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi. Munobvisa majasi anokosha pana avo vanopfuura musina kana hanya, savarume vodzoka kubva kuhondo.

9. Munodzinga madzimai avanhu vangu kubva mudzimba dzavo dzakanaka. Munotora ropafadzo yangu kubva kuvana vavo nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mika 2