Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Maraki 2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Vaprista vanoyambirwa

1. “Zvino yambiro iyi ndeyenyu, imi vaprista.

2. Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze.

3. “Nokuda kwenyu ndichabvisa zvizvarwa zvenyu; ndichadzura zviso zvenyu nendove inobva pazvibayiro zvemitambo yenyu, uye nemi muchatakurwa pamwe chete nayo.

4. Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

5. “Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu.

6. Kurayira kwechokwadi kwakanga kuri mumuromo wake, uye chisakarurama hachaiwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzora vazhinji pazvivi.

7. “Nokuti muromo womuprista unofanira kuchengeta zivo, uye vanhu vanofanira kutsvaka dzidziso kubva pamuromo wake, nokuti ndiye nhume yaJehovha Wamasimba Ose.

8. Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

9. “Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.”

Judha haana kutendeka

10. Ko, isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Sei tichisvibisa sungano yamadzibaba edu nokusatendeka kuno mumwe nomumwe?

11. Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa.

12. Kumunhu anoita izvi, angava ani zvake, Jehovha ngaamubvise pamatende aJakobho, kunyange achiuya nezvipo kuna Jehovha Wamasimba Ose.

13. Chimwe chinhu chaunoita: Unozadza aritari yaJehovha nemisodzi. Unochema nokuungudza nokuti haacharangariri zvipiriso zvako kana kuzvigamuchira nomufaro kubva pamaoko ako.

14. Unobvunza uchiti, “Seiko?” Nokuda kwokuti Jehovha ndiye chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako nokuti wakaputsa sungano naye, kunyange ari mumwe wako, mukadzi wawakaita sungano yewaniso naye.

15. Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.

16. “Ndinovenga kurambana,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari weIsraeri, “uye ndinovenga murume anofukidza nguo yake nokumanikidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Saka zvichenjerere pamweya uye usaputsa chitenderano.

Zuva roKutongwa

17. Makanetesa Jehovha namashoko enyu. Munoti, “Takamunetesa neiko?” Pamunoti, “Vose vanoita zvakaipa vakanaka pamberi paJehovha, uye anofadzwa navo” kana pamunoti, “Aripiko Mwari wokururamisira?”