Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 99:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura.

7. Akataura kwavari ari mushongwe yegore; vakachengeta zvipupuriro zvake nemitemo yaakavapa.

8. Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura; makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri, kunyange makavaranga pane zvavakaita.

9. Kudzai Jehovha Mwari wedu mumunamate pagomo rake dzvene, nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 99