Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 99:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Mambo mukuru, anoda kururamisira, imi makasimbisa kururama; muna Jakobho makaita kururamisira nokururama.

5. Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene.

6. Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura.

7. Akataura kwavari ari mushongwe yegore; vakachengeta zvipupuriro zvake nemitemo yaakavapa.

8. Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura; makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri, kunyange makavaranga pane zvavakaita.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 99